| ← SongOfSongs (7/8) → |
| 1. | Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha. |
| 2. | Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva. |
| 3. | Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri. |
| 4. | Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko. |
| 5. | Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana. |
| 6. | Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza. |
| 7. | Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo. |
| 8. | Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri, |
| 9. | Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete. |
| 10. | Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga. |
| 11. | Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha. |
| 12. | Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu. |
| 13. | Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu. |
| ← SongOfSongs (7/8) → |