←  Psalms (122/150)  →

1. Ndakafara panguva yavakati kwandiri, "Hendei kumba kwaJehovha."
2. Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu;
3. Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka;
4. Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha.
5. Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6. kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa.
7. Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe.
8. Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, "Rugare ngaruve mukati mako."
9. Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka.

←  Psalms (122/150)  →