Nahum (1/3) → |
1. | "Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. |
2. | "Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake. |
3. | Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake. |
4. | Anotuka gungwa, achiriomesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba. |
5. | Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo. |
6. | Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye. |
7. | Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari. |
8. | Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima. |
9. | Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri. |
10. | Nokuti kunyange vakakorekana seminzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakanwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma. |
11. | "Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo. |
12. | Zvanzi naJehovha, `Kunyange vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyange zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyange ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve. ' |
13. | Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu. |
14. | "Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodyarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo. |
15. | "Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose. |
Nahum (1/3) → |