| ← Judges (19/21) → |
| 1. | Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha. |
| 2. | Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina. |
| 3. | Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye. |
| 4. | Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo. |
| 5. | Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, "Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu." |
| 6. | Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakanwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, "Tenda hako ugare usiku hwose, moyo wako ufare." |
| 7. | Asi murume wakasimuka, achida kuziva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve. |
| 8. | Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, "Simbisa moyo wako, ugare kusvikira zuva rovira;" vakadya vose vari vaviri. |
| 9. | Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, "Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu." |
| 10. | Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakanga anaye. |
| 11. | Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, "Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo." |
| 12. | Tenzi wake akati kwaari, "Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya." |
| 13. | Akati kumuranda wake, "Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhiya kana paRama." |
| 14. | Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedo neGibhiya, raiva guta ravaBhenjamini. |
| 15. | Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make. |
| 16. | Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini. |
| 17. | Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, "Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?" |
| 18. | Iye akati kwaari, "Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make. |
| 19. | Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa." |
| 20. | Zvino mutana akati, "Farao hako, zvose zvawaishaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta." |
| 21. | ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokunwa. |
| 22. | Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, "Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive." |
| 23. | Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, "Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu. |
| 24. | Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai." |
| 25. | Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza. |
| 26. | Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo. |
| 27. | Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo. |
| 28. | Akati kwaari, "Simuka, tiende;" asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake. |
| 29. | Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri. |
| 30. | Zvino vose vakati vachizviona, vakati, "Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure." |
| ← Judges (19/21) → |