| ← Jeremiah (49/52) → |
| 1. | Pamusoro pavana vaAmoni. Zvanzi naJehovha, "Ko VaIsiraeri havana vanakomana here? Havana vagari venhaka here? Ko Marikami wagarireiko nhaka yaGadhi, vanhu vake vanogarirei mumaguta ake? |
| 2. | Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.' |
| 3. | Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa, chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapirisiti namachinda ake pamwechete. |
| 4. | Unozvirumbidzireiko pamusoro pamipata, pamusoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuvimba nefuma yako, uchiti, `Ndianiko ungarwa neni?' |
| 5. | "Tarira, ndichauyisa pamusoro pako kutya vose vanokupoteredza, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo; muchachingwa mumwe nomumwe ipo paakatarira, hakuna ungazounganidza vanodzungaira. |
| 6. | "Asi pashure ndichadzosa kutapwa kwavana vaAmoni, ndizvo zvinotaura Jehovha." |
| 7. | Pamusoro paEdhomu. Zvanzi naJehovha wehondo, "Ko paTemani hapachina huchenjeri here? Mano arova kuna vakangwara here? Huchenjeri hwavo hwanyangarika here? |
| 8. | Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDhedhani; nokuti ndichauyisa njodzi yaEsau pamusoro pake nenguva yandichamurova nayo. |
| 9. | Kana vakohwi vemizambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mamwe mazambiringa angazokohiwa here? Kana mbavha dzikasvika vusiku havangaparadzi kusvikira varinganwa here? |
| 10. | Ndakafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzakavanda, haangagoni kuvanda; vana vake vaparadzwa, nehama dzake nowokwake; iye haachipo. |
| 11. | Siya nherera dzako, ini ndichadziraramisa, chirikadzi dzako ngadzivimbe neni. |
| 12. | "Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarirai, vakanga vasina kufanira kunwa pamukombe, vachanwa zvirokwazvo; ko zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarohwi here? Haungaregwi usingarohwi, asi uchanwa zvirokwazvo.' |
| 13. | Nokuti ndakapika neni ndimene, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti Bhozira richaitwa chishamiso nechinoshoorwa, nedongo rechinotukwa; maguta aro ose achava matongo nokusingaperi." |
| 14. | Ndakanzwa mashoko anobva kuna Jehovha, nhume yakatumwa pakati pamarudzi, ichiti, "Unganai, muuye kuzorwa naro, musimukire kurwa. |
| 15. | Nokuti tarirai, ndakakuita muduku pakati pamarudzi, nounozvidzwa pakati pavanhu. |
| 16. | Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 17. | "Edhomu vachaitwa chishamiso, mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko avo ose. |
| 18. | Sapakutsindikirwa kweSodhoma neGomora namamwe maguta akanga ari pedo hakuna munhu uchagar amo , hakuna Mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa. |
| 19. | Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani? |
| 20. | Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro paEdhomu, nemifungo yake yaakafunga pamusoro pavagere paTemani. Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo. |
| 21. | "Nyika inodedera nokuda kwomubvumo wokuwira kwavo pasi; kuchema kuripo kunonzwika kusvikira kuGungwa Dzvuku. |
| 22. | Tarirai, uchakwira achibhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBhozira, nezuva iro moyo yemhare dzaEdhomu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake." |
| 23. | "Pamusoro peDhamasiko. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuripo pagungwa, harigoni kuzorora. |
| 24. | Dhamasiko rapera simba, rakatendeukira kutiza, rakabatwa nokudedera; rakabatwa nokurwadziwa nokuchema somukadzi unosurumuka. |
| 25. | "Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro wangu? |
| 26. | "Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, varwi vose vachanyarara nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 27. | Ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasiko, uchaparadza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi." |
| 28. | Pamusoro paKedhari napamusoro poushe hweHazori hwakakundwa naNebhukadhirezari mambo weBhabhironi. Zvanzi naJehovha, "Simukai, muende kuna Kedhari, mundoparadza vanhu vokumabvazuva. |
| 29. | Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, `Zvinotyisa zviripo kumativi ose!' |
| 30. | "Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa. |
| 31. | Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusina hanya, ndizvo zvinotaura Jehovha; rusina masuo kana zvipfigiso, runogara rwoga. |
| 32. | Makamera avo achatapwa nezvipfuwo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 33. | "Hazori huchava hugaro hwamakava, nedongo nokusingaperi; hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa." |
| 34. | Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro paEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, richiti, |
| 35. | "Zvanzi naJehovha wehondo, `Tarirai, ndichavhuna huta hwaEramu, icho chinhu chikuru chesimba ravo. |
| 36. | Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.' |
| 37. | "Ndichavhundusa Eramu pamberi pavavengi vavo napamberi pavanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kukuru, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatuma munondo uvateverere kusvikira ndavapedza. |
| 38. | Ndichaisa chigaro changu choushe maEramu, ndiparadze mambo namachinda vabvepo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 39. | Asi namazuva okupedzisira ndichadzosazve kutapwa kwaEramu, ndizvo zvinotaura Jehovha." |
| ← Jeremiah (49/52) → |