←  Jeremiah (47/52)  →

1. Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro pavaFirisitia, Farao achigere kukunda Gaza.
2. "Zvanzi naJehovha, `Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.'
3. Kana vachinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabhiza ake ane simba, nokumhanyisa kwengoro dzake, nokuvirima kwamakumbo engoro dzake, madzibaba haacheukiri kuvana vawo nokuneta kwamaoko avo;
4. nemhaka yezuva iro, rinouya kuparadza vaFirisitia vose, nokuparadza paTire neSidhoni mubatsiri mumwe nomumwe wakasara; nokuti Jehovha uchaparadza vaFirisitia, ivo vakasara vechiwi cheKafitori.
5. Gaza rava nemhanza, Ashikeroni raparadzwa, izvo zvakanga zvasara zvomupata wavo; ucharamba uchizvitema kusvikira rinhiko?
6. Haiwa, iwe munondo waJehovha, uchashaiwa zororo kusvikira rinhiko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare.
7. Unganyarara seiko, Jehovha zvaakakuraira? Pamusoro peAshikeroni napamusoro pemhenderekedzo yegungwa, ndipo paakazviraira."

←  Jeremiah (47/52)  →