| ← Ezekiel (24/48) → |
| 1. | Zvino negore repfumbamwe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 2. | "Mwanakomana womunhu, nyora zita nezuva, rezuva iro rino. Mambo weBhabhironi akaswedera Jerusaremu nezuva irero. |
| 3. | "Ureve mufananidzo kuimba inondimukira, uti kwavari zvanzi naIshe Jehovha, `Gadza gate, rigadze, udirewo mvura mariri; |
| 4. | unganidziramo nhindi dzaro, ndindi dzose dzakanaka, chidya nebandauko, rizadze namapfupa akasanangurwa. |
| 5. | Tora rakasanangurwa pakati pamakwai, nesvinga rehuni pasi pamapfupa, rivirise kwazvo, mapfupa aro abikwe mukati maro.' " |
| 6. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Guta reropa rine nhamo, negate rine ngura mukati maro, risina kubvisirwa ngura yaro! Budisamo nhindi imwe neimwe; rigere kutongerwa. |
| 7. | Nokuti ropa raro riri mukati maro, rakariisa paruware rusine chinhu, harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva. |
| 8. | Ndakaisa ropa raro paruware rusine chinhu, rirege kufukidzwa, kuti hasha dzangu dzimutswe kuzotsiva." |
| 9. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Guta rine ropa, rine nhamo! Ndichakurisawo svinga rehuni. |
| 10. | "Tutirai huni, pfutidzai moto, bikai nyama zvakanaka, kodzai muto, mapfupa atsve. |
| 11. | Zvino urigadze pamazimbe awo risina chiro, ripise, ndarira yaro itsvuke, matsvina aro anyauke mukati maro, kuti ngura yaro ipere. |
| 12. | Rakandinetsa nokubata zvikuru; kunyange zvakadaro ngura yaro haibvi mukati maro; ngura yaro ngaiiswe mumoto! |
| 13. | "Tsvina yako ine zvakashata; zvandakakunatsa, ukasanatswa, haungazonatswi patsvina yako, kusvikira ndanyaradza hasha dzangu pamusoro pako. |
| 14. | Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 15. | Zvino shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri richiti, |
| 16. | "Mwanakomana womunhu, tarira, ndinokutorera pakarepo norufu unodikanwa nameso ako, asi haufaniri kuchema kana kuungudza, nemisodzi yako haifaniri kuyerera. |
| 17. | "Gomera, asi ngazvirege kunzwika, usachema wakafa; sungira zvishongo mumusoro wako, upfeke shangu dzako patsoka dzako; usapfumbira muromo wako, kana kudya zvokudya zvavanhu." |
| 18. | Ipapo ndakataura navanhu mangwanani, madekwana mukadzi wangu akafa, ndikaita mangwanani sezvandakarayirwa. |
| 19. | Zvino vanhu vakati kwandiri, "Ko haungatiudziwo kuti zvinhu izvi zvinoti kudini kwatiri, zvaunoita zvakadaro here?" |
| 20. | Zvino ndikati kwavari, "Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 21. | ‘Taura neimba yaIsiraeri,' uti zvanzi naIshe Jehovha `Tarirai, ndichamhura imba yangu tsvene, yamunozvikudza nayo muchiti isimba renyu, inodikanwa nameso enyu, inonzwira tsitsi nemweya yenyu; vanakomana venyu navanasikana venyu vamakasiya, vachaurawa nomunondo.' |
| 22. | "Ipapo muchaita sezvandakaita ini, hamungapfumbiri miromo yenyu, kana kudya zvokudya zvavanhu. |
| 23. | Zvishongo zvenyu zvichava pamisoro yenyu, neshangu dzenyu patsoka dzenyu; hamungachemi kana kuungudza, asi muchapera muzvakaipa zvenyu, muchigomerana. |
| 24. | Saizvozvo Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; zvose zvaakaita iye, nemi muchazviitawo; kana zvichisvika, muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha." |
| 25. | "Zvino kana uriwe, mwanakomana womunhu, nomusi wandichavatorera simba ravo, ivo mufaro wechakanaka chavo, chinodikanwa nameso avo, icho chinodikanwa nemweya yavo, vanakomana vavo navanasikana vavo, |
| 26. | ko nomusi uyo unopukunyuka haangauyi kwauri kuti akuudze izvozvo munzeve dzako here? |
| 27. | Nomusi uyo muromo wako uchashamisirwa wakapukunyuka, uchataura, haungazovi mbeveve; saizvozvo uchava chiratidzo kwavari; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha." |
| ← Ezekiel (24/48) → |