| ← Exodus (20/40) → |
| 1. | Zvino Mwari akataura mashoko awa ose, akati, |
| 2. | "Ndini Jehovha, Mwari wako, akakubvisa munyika yeIjipiti, muimba youranda. |
| 3. | "Usava navamwe vamwari kunze kwangu. |
| 4. | "Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. |
| 5. | Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari ane godo; ndinorova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina rwavanondivenga ; |
| 6. | ndichaitira nyasha vane zviuru zvamazana vanondida, vanochengeta mirairo yangu. |
| 7. | "Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina; nokuti Jehovha haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina. |
| 8. | "Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene. |
| 9. | Ubate mazuva matanhatu, uite mabasa ako ose; |
| 10. | asi zuva rechinomwe iSabata raJehovha Mwari wako; usatongobata mabasa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana zvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati mamasuo ako, |
| 11. | nokuti namazuva matanhatu Jehovha akaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo, akazorora nezuva rechinomwe; naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene. |
| 12. | "Kudza baba vako namai vako, kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. |
| 13. | "Usauraya. |
| 14. | "Usaita upombwe. |
| 15. | "Usaba. |
| 16. | "Usapupurira wokwako nhema. |
| 17. | "Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwe chowokwako." |
| 18. | Vanhu vose vakaona kutinhira, nemheni, nenzwi rehwamanda, negomo rinopfungaira, zvino vanhu vakati vachiona izvozvo, vakadedera vakamira kure. |
| 19. | Vakati kuna Mozisi, "imwi chitaurai henyu nesu, tinzwe; asi Mwari ngaarege kutaura nesu, tirege kufa." |
| 20. | Mozisi akati kuvanhu, "Musatya henyu, nokuti Mwari akauya kuzokuidzai, kuti mugare muchimutya, murege kutadza." |
| 21. | Vanhu vakamira kure, Mozisi akaswedera kurima guru kwakanga kuna Mwari. |
| 22. | Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuvana vaIsiraeri, 'imwi makaona mumene kuti ndakataura nemi ndiri kudenga. |
| 23. | Musaita vamwe vamwari pamwechete neni; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vendarama.' |
| 24. | Undiitire aritari yevhu, ubayire pamusoro payo zvipiriso zvako zvinopiswa nezvipiriso zvako zvokuyananisa, namakwai ako nenzombe dzako; panzvimbo imwe neimwe pandicharangaridza zita rangu, ndichauyapo kwauri, ndichikuropafadza. |
| 25. | Zvino kana uchindivakira aritari yamabwe, urege kuivaka namabwe akavezwa, nokuti kana ukasimudzira mbezo yako pamusoro pebwe, warisvibisa. |
| 26. | Rega kukwirawo kuaritari yangu nezvikwiriso, kuti kunyasi kwako kurege kufukurwa kwairi." |
| ← Exodus (20/40) → |