| ← 2Kings (24/25) → |
| 1. | Zvino pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, Jehoyakimu akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira. |
| 2. | Jehovha akatuma kwaari hondo dzavaKaradhea, nehondo dzavaSiria, nehondo dzavaMoabhu, nehondo dzavana vaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, raakataura nemiromo yavaranda vake vaporofita. |
| 3. | Zvirokwazvo izvi zvakaitirwa Judha nokuraira kwaJehovha, kuti avabvise pamberi pake, nokuda kwezvivi zvaManase zvose zvaakaita; |
| 4. | uye nokuda kweropa risine mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusaremu neropa risine mhosva; Jehovha akaramba kuvakanganwira. |
| 5. | Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? |
| 6. | Jehoyakimu akavata namadzibaba ake, mwanakomana wake Jehoyakini akamutevera paushe. |
| 7. | Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi wakanga akunda zvose zvaiva zvamambo weIjipiti, kubva parukova rweIjipiti kusvikira parwizi Yufuratesi. |
| 8. | Jehoyakini wakatanga kubata ushe ava namakore gumi namasere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Nehushuta mukunda waErinatani weJerusaremu. |
| 9. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake pazvose. |
| 10. | Nenguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakasvika Jerusaremu, vakakomba guta. |
| 11. | Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika paguta, varanda vake vakarikomba. |
| 12. | Zvino Jehoyakini mambo waJudha akabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, navaranda vake, namachinda ake, navatariri vake; mambo weBhabhironi akamubata negore rorusere rokubata kwake ushe. |
| 13. | Akaenda nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo welsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha. |
| 14. | Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika. |
| 15. | Akatapawo Jehoyakini, akamuisa Bhabhironi; namai vamambo, navakadzi vamambo, navatariri vake, navakuru venyika, akavatapa paJerusaremu akavaisa Bhabhironi. |
| 16. | Varume vose vaiva nesimba vane zviuru zvinomwe, nemhizha, navapfuri vane gumi ramazana, ava vose vaiva nesimba vaigona kurwa, mambo weBhabhironi wakavatapa, akavaisa Bhabhironi. |
| 17. | Mambo weBhabhironi akaita Matania babamunini vaJehoyakimu, mambo panzvimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedhekia. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha |
| 18. | Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina. |
| 19. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita Jehoyakini pazvose. |
| 20. | Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi. |
| ← 2Kings (24/25) → |