| ← 1Chronicles (18/29) → |
| 1. | Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi akarwa navaFirisitia akavakunda; akatorera vaFirisitia Gati nemisha yaro. |
| 2. | Akakunda Moabhiwo, vaMoabhi vakaitwa varanda vaDhavhidhi, vakamuvigira zvipo. |
| 3. | Dhavhidhi akakundawo Hadharezeri mambo weZobha, kusvikira paHamati, pakuenda kwake kundosimbisa vumambo bwake parwizi Yufuratesi. |
| 4. | Dhavhidhi akamutorera ngoro dzine chiuru chimwe navatasvi vamabhiza vane zviuru zvinomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo. |
| 5. | Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadharezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri. |
| 6. | Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
| 7. | Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadharezeri, akadziisa Jerusaremu. |
| 8. | NapaTibhati napaKuni, maguta eHadharezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji kwazvo, Soromoni yaakazoita nayo dziva rendarira, nembiru, nemidziyo yendarira. |
| 9. | Zvino Tou mambo weHamati akati achinzwa kuti Dhavhidhi akaparadza hondo yose yaHadharezeri mambo weZobha, |
| 10. | akatuma Hadhorami mwanakomana wake kuna mambo Dhavhidhi, kundomukwazisa, nokumukorokotedza pamusoro pokurwa kwake kwaHadharezeri nokumukunda; nokuti Hadharezeri wairwa naTou; akanga ane midziyo yamarudzi ose, yendarama, neyesirivha, nendarira. |
| 11. | Neyiyiwo mambo Dhavhidhi akaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakanga atora kundudzi dzose; kuna vaEdhomu, navaMoabhi, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki. |
| 12. | Uye Abhishai mwanakomana waZeruya, akauraya vaEdhomu paMupata woMunyu vaiva vane zviuru zvine gumi nezvisere. |
| 13. | Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
| 14. | Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; akatongera vanhu vake vose akavaitira zvakarurama. |
| 15. | Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva gurukota, |
| 16. | Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari, vaiva vapirisiti, naShavhisha waiva munyori; |
| 17. | uye Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vakuru kutevera mambo. |
| ← 1Chronicles (18/29) → |