Zephaniah (3/3)    

1. Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza!
2. Harina kuteerera izwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro.
3. Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, asingasiyi chinhu kusvikira mangwanani.
4. Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vapirisiti varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murayiro simba.
5. Jehovha uri mukati maro akarurama, haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani anobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki; asi asina kururama haazivi kunyara.
6. "Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo; nzira dzavo dzomumisha ndakadziparadza, hakuchina anopfuura napo; maguta avo akaparadzwa, hakuna vanhumo, hakuna agerepo.
7. Ndakati, `Unditye chete; tenda kurangwa;' ipapo paanogara hapazaiparadzwa, sezvandakaraira zvose pamusoro pake; asi vakafumira mangwanani, vakasvibisa zvose zvavakaita.
8. Naizvozvo, ndimirirei ndizvo zvinotaura Jehovha kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu.
9. "Nokuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.
10. Vanamati vangu, iye mukunda wavanhu vangu vakaparadzirwa, vachandivigira chipiriso changu vachibva mhiri kwenzizi dzeItiopia.
11. Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu dzvene.
12. Asi ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha.
13. Vakasara vaIsiraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna angavatyisa.
14. Imba, iwe mukunda weZiyoni, pururudza, iwe Isiraeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusaremu.
15. Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa.
16. Nezuva iro vachati kuJerusaremu, `Usatya hako iwe; iwe Ziyoni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba.
17. Jehovha Mwari wako ari mukati mako, iye ane simba, achaponesa; achakufarira nomufaro, uchanyarara parudo rwake; achakufarira nokupururudza.'
18. Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo.
19. Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa vanokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose.
20. Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha."

  Zephaniah (3/3)