| Zephaniah (1/3) → |
| 1. | Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, namazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha. |
| 2. | "Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 3. | Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 4. | "Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapirisiti; |
| 5. | navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami; |
| 6. | navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza. |
| 7. | "Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedo; vakakokwa naye wakavaita vatsvene. |
| 8. | Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa. |
| 9. | Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera. |
| 10. | "Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo , |
| 11. | Chemai imi mugere Makiteshi; nokuti vanhu vose veKenani vapera, vose vakanga vakafuma sirivha vabviswa. |
| 12. | Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, `Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.' |
| 13. | fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizarnbiringa, asi havanganwi waini yayo. |
| 14. | "Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo. |
| 15. | Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru, |
| 16. | zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira. |
| 17. | "Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove. |
| 18. | "Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo achapedza zvinotyisa, vose vagere panyika. |
| Zephaniah (1/3) → |