| ← Zechariah (7/14) → | 
| 1. | Zvino negore rechina ramambo Dhariusi shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya nezuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisirevhi. | 
| 2. | Zvino vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemimereki, navanhu vavo, kundokumbira nyasha kuna Jehovha, | 
| 3. | nokutaura navapirisiti veimba yaJehovha wehondo navaporofita, vachiti, "Ko ndochema nomwedzi wechishanu, ndichizviparadzanisa navamwe, sezvandaiita makore awa mazhinji here?" | 
| 4. | Ipapo shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti, | 
| 5. | "Taura navanhu vose venyika ino, navapirisiti, uti, `Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here? | 
| 6. | Kana muchidya, kana muchinwa, hamuzvidyiri nokuzvinwira here?' | 
| 7. | Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu. | 
| 8. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti, | 
| 9. | "Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, `Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi; | 
| 10. | regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.' | 
| 11. | "Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa. | 
| 12. | Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo. | 
| 13. | Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo ini ndicharamba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; | 
| 14. | asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. Naizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nokuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza." | 
| ← Zechariah (7/14) → |