Zechariah (7/14)  

1. Zvino negore rechina ramambo Dhariusi shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya nezuva rechina romwedzi wepfumbamwe, iwo weKisirevhi.
2. Zvino vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemimereki, navanhu vavo, kundokumbira nyasha kuna Jehovha,
3. nokutaura navapirisiti veimba yaJehovha wehondo navaporofita, vachiti, "Ko ndochema nomwedzi wechishanu, ndichizviparadzanisa navamwe, sezvandaiita makore awa mazhinji here?"
4. Ipapo shoko raJehovha wehondo rakasvika kwandiri, richiti,
5. "Taura navanhu vose venyika ino, navapirisiti, uti, `Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?
6. Kana muchidya, kana muchinwa, hamuzvidyiri nokuzvinwira here?'
7. Ko haazi mashoko aJehovha aakadanidzira navaporofita vakare, Jerusaremu richakagarwa navanhu richinomufaro, iro namaguta aro ose akaripoteredza, nenyika yezasi yenyika yamapani dzichina vanhu.
8. Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, richiti,
9. "Ndizvo zvakataura Jehovha wehondo, achiti, `Ruramisirai kwazvo pakutonga, mumwe nomumwe aitire hama yake unyoro netsitsi;
10. regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.'
11. "Asi vakaramba kuteerera, vakabvisa fudzi ravo, nokudzivira nzeve dzavo kuti varege kunzwa.
12. Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.
13. Zvino sezvaakadana, ivo vakaramba kunzwa, saizvozvo ivo vachadanawo ini ndicharamba kunzwa ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
14. asi ndichavaparadzira nechamupupuri pakati pendudzi dzose dzavakanga vasingazivi. Naizvozvo nyika yakava dongo shure kwavo, kukasava nomunhu akaenda kana kudzoka neko; nokuti vakaparadza nyika yakanga ichifadza."

  Zechariah (7/14)