← Zechariah (6/14) → |
1. | Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira. |
2. | Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema; |
3. | ngoro yechitatu mabhiza machena, ' ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba. |
4. | Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, "Zvinyiko izvi, ishe wangu?" |
5. | Mutumwa akapindura, akati kwandiri, "Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose." |
6. | Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi. |
7. | Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, "Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose." |
8. | Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, "Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro." |
9. | Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
10. | "Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosia mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi; |
11. | utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukukru; |
12. | utaure naye, uchiti, `Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha; |
13. | ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupirisiti pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri. |
14. | Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.' |
15. | "Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu." |
← Zechariah (6/14) → |