Zechariah (6/14)  

1. Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira.
2. Ngoro yokutanga yakanga inamabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema;
3. ngoro yechitatu mabhiza machena, ' ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba.
4. Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, "Zvinyiko izvi, ishe wangu?"
5. Mutumwa akapindura, akati kwandiri, "Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose."
6. Ngoro inamabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi.
7. Anesimba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote-pote nenyika yose; ikati, "Ibvai pano, mupote-pote nenyika yose."
8. Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, "Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro."
9. Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
10. "Tora vamwe kunavakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosia mwanakomana waZefaniya, kwavakasvika vachibva Babhironi;
11. utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupirisiti mukukru;
12. utaure naye, uchiti, `Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha;
13. ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupirisiti pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.
14. Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefaniya, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.'
15. "Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu."

  Zechariah (6/14)