Zechariah (5/14)  

1. Zvino ndakarinzira meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwakapetwa ruchibhururuka.
2. Akati kwandiri, "Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, `Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.' "
3. Ipapo akati kwandiri, "Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
4. Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo."
5. Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, "Chirinzira meso ako zvino, uone chinobudapo."
6. Ini ndikati, "Chinyiko?" Iye akati, "Ndiyo efa inobudapo." Akatizve, "Ndizvo zvavakaita panyika yose;"
7. (zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
8. Akati, "Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati meefa, akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo."
9. Ipapo ndakarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vanamapapiro akafanana namapapiro ezimudo; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
10. Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, "Vanondoisepiko efa?"
11. Iye akati kwandiri, "Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo."

  Zechariah (5/14)