| ← Zechariah (4/14) → | 
| 1. | Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake. | 
| 2. | Akati kwandiri, "Unooneiko?" Ini ndikati, "Ndakatarira, ndikaona chigadziko chomwenje chendarama yose, chine hariyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe; | 
| 3. | uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehadyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe." | 
| 4. | Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, "Izvi zvinyiko, ishe wangu?" | 
| 5. | Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, "Hauzivi here kuti izvi zvinyiko?" Ini ndikati, "Kwete, ishe wangu." | 
| 6. | Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, "Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, `Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. | 
| 7. | Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, `Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.' " | 
| 8. | Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, | 
| 9. | "Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri. | 
| 10. | "Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose. | 
| 11. | "Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, `Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?' " | 
| 12. | Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, "Ko matavi awa maviri emiorivhi ari kumativi emiromo miviri , inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?" | 
| 13. | Akandipindura, akati, "Hauzivi here kuti izvi zvinyiko?" Ini ndikati, "Kwete, ishe wangu." | 
| 14. | Zvino akati, "Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose." | 
| ← Zechariah (4/14) → |