| ← Zechariah (2/14) → |
| 1. | Zvino ndakarinzira meso angu, katarira, ndikaona murume akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake. |
| 2. | Ipapo ndikati, "Unoendepiko?" Iye akati kwandiri, "Kundoyera Jerusaremu, ndione kufara kwaro nokureba kwaro." |
| 3. | Zvino tarira, mutumwa akanga achitaurirana neni, akabuda, mumwe mutumwa akandomuchingamidza, |
| 4. | akati kwaari, "Mhanya, undotaura nejaya iri, uti, `Jerusaremu richagara semisha isina masvingo, nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zvirimo.' |
| 5. | "Nokuti zvanzi naJehovha, ndichava kwariri sorusvingo rwomoto rwakapoteredza, ini ndichava kubwinya kwaro mukati maro.' |
| 6. | "Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 7. | "Nhai, Ziyoni, tiza, iwe ugere nomukunda weBhabhironi. |
| 8. | Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, `Wakanditumira kundudzi dzakakupambai imi, kuti ndiwane kukudzwa; nokuti unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso rake.' |
| 9. | Nokuti tarirai, ndichazunungusa ruoko rwangu pamusoro pavo, vachava chinhu chakapambwa kuna ivo vaivabatira; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma. |
| 10. | "Imba, ufare, iwe mukunda weZiyoni; nokuti tarira, ndinouya, ndichagara mukati mako," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 11. | Ndudzi zhinji dzichanamatira Jehovha nezuva iro, vakava vanhu vangu; ndichagara mukati mako, ipapo iwe uchaziva kuti ndiye Jehovha wehondo wakandituma kwauri. |
| 12. | Judha vachagarwa nhaka naJehovha, uchava mugove wake munyika tsvene, uchazvisanangurirazve Jerusaremu. |
| 13. | Nyararai imi nyama yose pamberi paJehovha; nokuti wamuka paugaro hwake hutsvene. |
| ← Zechariah (2/14) → |