| ← Zechariah (14/14) |
| 1. | Tarirai, zuva raJehovha rinosvika, nenguva iyo zvawakapamba zvichagoverwa mukati mako. |
| 2. | Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta. |
| 3. | Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo, sezvaakarwa nezuva rehondo. |
| 4. | Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivhi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi. |
| 5. | Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wenyu achauya, navatsvene vose |
| 6. | Zvino nezuva iro chiedza chichashaikwa, zvinopenya zvichadzimwa. |
| 7. | Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo. |
| 8. | Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusaremu; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando. |
| 9. | Jehovha achava Mambo wenyika yose; nezuva iro Jehovha achava mumwechete, nezita rake rimwechete. |
| 10. | Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo. |
| 11. | Vanhu vachagaramo; kutukwa hakungazovipo, asi Jerusaremu richagara rakachengetwa. |
| 12. | Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusaremu, nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo. |
| 13. | Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake. |
| 14. | Judha vacharwawo paJerusaremu; fuma yendudzi dzose dzavanhu vakapoteredza ichaunganidzwa, inoti ndarama, nesirivha, nenguo, zvizhinji kwazvo. |
| 15. | Sezvakaita kurohwa uku, ndizvo zvichaitawo kurohwa kwamabhiza namahesera, nengamera, nembongoro, nezvipfuwo zvose zvichavapo pamisasa iyo. |
| 16. | Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba. |
| 17. | Ani naani pamarudzi enyika asingakwiri Jerusaremu kundonamata Mambo, Jehovha wehondo, haanganisirwi mvura. |
| 18. | Kana rudzi rwavaljipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. |
| 19. | Uku ndiko kurohwa kwavaIjipiti nokurohwa kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba. |
| 20. | Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, "ZVITSVENE KUNA JEHOVHA;" nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari. |
| 21. | Zvirokwazvo, hari imwe neimwe paJerusaremu napaJudha ichava tsvene kuna Jehovha wehondo; vose vanoda kubayira vachauya vachidzitora, kuzobikiramo; nezuva iro hapachazovi nomuKanani mumba maJehovha wehondo. |
| ← Zechariah (14/14) |