| ← Zechariah (13/14) → |
| 1. | "Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina. |
| 2. | Zvino nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, "Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika." |
| 3. | Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, "Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita. |
| 4. | Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu; |
| 5. | asi achati, `Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.' |
| 6. | "Kana mumwe akati kwaari, `Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?' Ipapo achapindura, achiti, `Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.' " |
| 7. | "Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku. |
| 8. | "Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo. |
| 9. | Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `Jehovha ndiMwari wangu.' |
| ← Zechariah (13/14) → |