Zechariah (13/14)  

1. "Nezuva iro imba yaDhavhidhi. navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina.
2. Zvino nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, "Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika."
3. Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, "Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJesu baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita.
4. Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu;
5. asi achati, `Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.'
6. "Kana mumwe akati kwaari, `Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?' Ipapo achapindura, achiti, `Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.' "
7. "Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
8. "Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
9. Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `Jehovha ndiMwari wangu.'

  Zechariah (13/14)