Zechariah (11/14)  

1. Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
2. Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.
3. Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo.
4. Zvanzi naJehovha Mwari wangu, "Fudza makwai anozourawa;
5. iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, `Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakafuma;' vafudzi vawo havane tsitsi nawo."
6. "Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo."
7. Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, "Kunaka," imwe ndikaitumidza zita rinonzi "Zvisungo;" ndikafudza makwai.
8. Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.
9. Ipapo ndikati, "Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe."
10. Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, "Kunaka," ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu.
11. ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.
12. Ndikati kwavari, "Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai." Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu.
13. Jehovha akati kwandiri, "Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo." Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
14. Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, "Zvisungo," kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri.
15. Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi.
16. Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
17. Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose."

  Zechariah (11/14)