← Zechariah (11/14) → |
1. | Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako. |
2. | Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa. |
3. | Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi ! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo. |
4. | Zvanzi naJehovha Mwari wangu, "Fudza makwai anozourawa; |
5. | iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, `Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakafuma;' vafudzi vawo havane tsitsi nawo." |
6. | "Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo." |
7. | Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, "Kunaka," imwe ndikaitumidza zita rinonzi "Zvisungo;" ndikafudza makwai. |
8. | Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo. |
9. | Ipapo ndikati, "Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe." |
10. | Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, "Kunaka," ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu. |
11. | ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha. |
12. | Ndikati kwavari, "Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai." Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu. |
13. | Jehovha akati kwandiri, "Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo." Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha. |
14. | Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, "Zvisungo," kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri. |
15. | Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi. |
16. | Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo. |
17. | Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose." |
← Zechariah (11/14) → |