Zechariah (10/14)  

1. Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda.
2. Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
3. Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.
4. Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete.
5. Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.
6. "Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa.
7. VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha.
8. "Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare.
9. Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka.
10. Ndichavadzosazve panyika ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGiriyadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara.
11. Vachafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa.
12. Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu," ndizvo zvinotaura Jehovha.

  Zechariah (10/14)