Zechariah (1/14)  

1. Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
2. "Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
3. Naizvozvo chiti kwavari "Zvanzi naJehovha wehondo , `Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4. "Regai kuva samadzibaba enyu, nokuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, `Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera,' ndizvo zvinotaura Jehovha.
5. Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here?
6. Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, `Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira.' "
7. Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
8. "Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena."
9. Ipapo ndikati, "Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi?" Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, "Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi."
10. Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, "Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose."
11. Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, "Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora."
12. Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, "Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?"
13. Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza.
14. Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, "Danidzira, uti, `Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru.
15. Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.'
16. Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo' " ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu.
17. Danidzirazve, uti, "Zvanzi naJehovha wehondo, `Maguta angu achapa fuma mufarozve, Jehovha achanyaradzazve Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu.' "
18. Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina.
19. Ipapo ndikati kumutumwa, wakanga achitaurirana neni, "Zvinyiko izvi?" Akandipindura, akati, "Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu."
20. Jehovha akandiratidza vapfuri vana.
21. Ipapo ndikati, "Ava vauya kuzobateiko?" Iye akataura, akati, "Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira."

      Zechariah (1/14)