| ← Titus (2/3) → |
| 1. | Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama. |
| 2. | Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira; |
| 3. | saizvozvo vo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; |
| 4. | kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo. |
| 5. | vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. |
| 6. | Saizvozvo vo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara; |
| 7. | pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa., |
| 8. | nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu. |
| 9. | Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari; |
| 10. | vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose. |
| 11. | Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, |
| 12. | Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, |
| 13. | takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu. |
| 14. | wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka. |
| 15. | Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza. |
| ← Titus (2/3) → |