Titus (2/3)  

1. Zvino iwe, taura zvakafanira dzidziso yakarurama.
2. Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira;
3. saizvozvo vo vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka;
4. kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo.
5. vave vakangwara, vakachena, vanogara pamusha, vakanaka, vanoteerera varume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
6. Saizvozvo vo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara;
7. pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa.,
8. nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushovorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asi nechinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
9. Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari;
10. vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.
11. Nokuti nyasha dzaMwari dzakavonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa,
12. Dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino,
13. takatarira tariro inofadza, nokuvonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu.
14. wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
15. Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza.

  Titus (2/3)