Titus (1/3)  

1. Pauro, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa zvokwadi iri pakunamata Mwari,
2. patariro yovupenyu bwusingaperi, bwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,
3. asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;
4. kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha netsitsi norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe.
5. Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakuraira;
6. kana kunomunhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, unavana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havatereri.
7. Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa;
8. asi unoitira vaeni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora;
9. unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.
10. Nokuti vazhinji varipo vasingatereri, vanotaura zvisinamaturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,
11. vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa.
12. Mumwe wavo, muporofita wokwavo, wakati: VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanovusimbe.
13. Kupupura uku ndokwazvokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda.
14. varege kuterera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira zvokwadi.
15. Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakunechinhu chakachena, asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.
16. Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingatereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.

      Titus (1/3)