Titus (1/3) → |
1. | Pauro, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa zvokwadi iri pakunamata Mwari, |
2. | patariro yovupenyu bwusingaperi, bwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo, |
3. | asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu; |
4. | kunaTito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha netsitsi norugare, zvinobva kunaMwari Baba, naIshe Jesu Kristu, Muponesi wedu, ngazvive newe. |
5. | Ndakakusiya paKrete nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakuraira; |
6. | kana kunomunhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, unavana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havatereri. |
7. | Nokuti mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, somuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma yakaipa; |
8. | asi unoitira vaeni rudo, unoda zvakanaka, wakachenjera, wakarurama, mutsvene, unozvidzora; |
9. | unobatisisa shoko razvokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kuraira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara. |
10. | Nokuti vazhinji varipo vasingatereri, vanotaura zvisinamaturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa, |
11. | vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwefuma yakaipa. |
12. | Mumwe wavo, muporofita wokwavo, wakati: VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanovusimbe. |
13. | Kupupura uku ndokwazvokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda. |
14. | varege kuterera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira zvokwadi. |
15. | Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakunechinhu chakachena, asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa. |
16. | Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingatereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka. |
Titus (1/3) → |