| ← SongOfSongs (8/8) |
| 1. | Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora. |
| 2. | Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu. |
| 3. | Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire. |
| 4. | Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. |
| 5. | Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka. |
| 6. | Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha. |
| 7. | Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose. |
| 8. | Tine chinun’una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun’una chedu Nezuva raachakumbirwa? |
| 9. | Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari. |
| 10. | Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare. |
| 11. | Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo. |
| 12. | Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri. |
| 13. | Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo. |
| 14. | Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira. |
| ← SongOfSongs (8/8) |