SongOfSongs (8/8)    

1. Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
2. Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.
3. Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
4. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
5. Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
6. Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
7. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
8. Tine chinun’una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun’una chedu Nezuva raachakumbirwa?
9. Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
10. Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
11. Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
12. Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
13. Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
14. Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.

  SongOfSongs (8/8)