SongOfSongs (7/8)  

1. Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
2. Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
3. Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
4. Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
5. Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
6. Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
7. Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
8. Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
9. Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
10. Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
11. Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
12. Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
13. Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.

  SongOfSongs (7/8)