| ← SongOfSongs (6/8) → |
| 1. | Mudiwa wako akaendepiko, Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Mudiwa wako wakaringirepiko, Kuti timutsvake pamwechete newe? |
| 2. | Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake, Kundima dzemiti inonhuwira, Kufudza makwai ake muminda,nokutanha maruva. |
| 3. | Ini ndiri womudiwa wangu; mudiwa wangu ndowangu; Anofudza makwai ake pakati pamaruva. |
| 4. | Wakanaka, shamwari yangu saTiriza, Wakanaka seJerusaremu, Unotyisa sehondo ine mireza. |
| 5. | Usanditarira nameso ako, Nokuti andikunda. Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi. |
| 6. | Meno aka akafanana neboka renhunzvi dzamakwai, Dzinobva pakushambwa; Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana. |
| 7. | Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako. |
| 8. | Vahosi vana makumi matanhatu navarongo vana makumi masere variko, Nemhandara dzisingaperi. |
| 9. | Njiva yangu, akakwana wangu, ndiye mumwe oga; Ndiye mwana mumwe woga wamai vake; Ndiye musanangurwa wowakamubereka; Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa; Navahosi navarongo, vakamurumbidza. |
| 10. | Ndianiko uyo anotarira samambakwedza, Akanaka somwedzi, Akachena sezuva, Anotyisa sehondo ine mireza? |
| 11. | Ndakaburukira kumunda wenzungu, Kuti ndione miti mitema mumupata, Kuti ndione kana muzambiringa wotunga, kana matamba otunga maruva. |
| 12. | Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama. |
| 13. | Dzoka, dzoka, Shuramiti; Dzoka, dzoka, kuti tikutarire. Munoda kutarira muShuramiti neiko, Sezvamunotarira kutamba kweMahanaimi? |
| ← SongOfSongs (6/8) → |