| ← SongOfSongs (4/8) → |
| 1. | Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi. |
| 2. | Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana. |
| 3. | Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako. |
| 4. | Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare. |
| 5. | Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo. |
| 6. | Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuwira. |
| 7. | Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri. |
| 8. | Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhauni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe. |
| 9. | Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako. |
| 10. | Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira! |
| 11. | Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni. |
| 12. | Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa. |
| 13. | Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho, |
| 14. | Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira. |
| 15. | Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni. |
| 16. | Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka. |
| ← SongOfSongs (4/8) → |