| ← SongOfSongs (3/8) → | 
| 1. | Usiku, ndiri panhovo dzangu, Ndakamutsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndakamutsvaka, asi handina kumuwana. | 
| 2. | Ndikati, ndichasimuka zvino, ndifambe-fambe neguta; Panzira dzomumusha, napamatare Ndipo pandichatsvaka anodikanwa nomweya wangu; Ndikamutsvaka, asi handina kumuwana. | 
| 3. | Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Ndikati kwavari, "Matongoona anodikanwa nomweya wangu here?" | 
| 4. | Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka. | 
| 5. | Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. | 
| 6. | Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje seshongwe dzohutsi, Anonhuwira nemura nezvinonhuwira, Nezvakakuyiwa zvose zvomutengesi? | 
| 7. | Tarirai, ndicho chigaro chaSoromoni chinotakurwa; Mhare dzina makumi matanhatu dzakachikomberedza, Vanobva pamhare dzavaIsiraeri. | 
| 8. | Vose vanoziva kubata munondo, vakadzidza kurwa; Murume mumwe nomumwe anomunondo wake pahudyu yake, Nokuda kwezvinotyisa usiku. | 
| 9. | Mambo Soromoni akazviitira chigaro chinotakurwa chamatanda eRebhanoni. | 
| 10. | Akaita mbiru dzacho nesirivha, Musana wacho nendarama, pokugara kwacho nomucheka mutsvuku, . Mukati macho makarongwa norudo Rwavakunda veJerusaremu. | 
| 11. | Budai, imi vakunda veZiyoni, muone mambo Soromoni, Ane korona yaakadzikwa namai vake Pazuva rokuwana kwake, Napazuva romufaro womoyo wake. | 
| ← SongOfSongs (3/8) → |