SongOfSongs (2/8)  

1. Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani.
2. Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda.
3. Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu.
4. Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo.
5. Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo.
6. Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira.
7. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
8. Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo.
9. Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
10. Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, "Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!"
11. Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda;
12. Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu.
13. Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
14. Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
15. Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva.
16. Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo.
17. Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri.

  SongOfSongs (2/8)