| ← SongOfSongs (2/8) → |
| 1. | Ndiri ruva rebundo rokuSharoni, Ndiri ruva rokumapani. |
| 2. | Seruva pakati peminzwa, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavakunda. |
| 3. | Somuapuri pakati pemiti yokudondo, Ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pavanakomana. Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru; Zvibereko zvake zvakanga zvichinaka pamukanwa wangu. |
| 4. | Akandiisa kuimba yomutambo; Mureza wake pamusoro pangu rwakanga ruri rudo. |
| 5. | Nditsigirei namazambiringa akaomeswa, ndisimbisei namaapuri; Nokuti ndinorwara norudo. |
| 6. | Ruoko rwake rworuboshwe ruri pasi pomusoro wangu; Ruoko rwake rworudyi runondimbundikira. |
| 7. | Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Nemharapara nenondo dzokubundo, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. |
| 8. | Inzwai inzwi romudiwa wangu! Tarirai, wouya, Achikwakuka pamakomo, Achichirika pazvikomo. |
| 9. | Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo. |
| 10. | Mudiwa wangu akataura, akati kwandiri, "Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu, huya!" |
| 11. | Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda; |
| 12. | Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nenzwi renjiva rinonzwikwa panyika yedu. |
| 13. | Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya! |
| 14. | Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka. |
| 15. | Tibatirei makava, makava maduku, Anotadzira minda yemizambiringa; Nokuti minda yedu yemizambiringa yotunga maruva. |
| 16. | Mudiwa wangu ndowangu, neni ndiri wake; Anofudza makwai ake pakati pamaruva ebundo. |
| 17. | Kana zuva rotonhorera, nemimvuri yotiza, Tendeuka, mudiwa wangu, uve semharapara nomwana wenondo Pamusoro pamakomo eBheteri. |
| ← SongOfSongs (2/8) → |