| ← Ruth (3/4) → | 
| 1. | Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, "Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here? | 
| 2. | Zvino Bhoazi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro. | 
| 3. | Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokunwa. | 
| 4. | Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita." | 
| 5. | Akati kwaari, "Zvose zvamunondiudza ndichazviita." | 
| 6. | Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake. | 
| 7. | Zvino Bhoazi wakati apedza kudya nokunwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi. | 
| 8. | Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake. | 
| 9. | Akati, "Ndiwe aniko?" Akapindura akati, "Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nokuti muri hama yomumba." | 
| 10. | Ipapo iye akati, "Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi. | 
| 11. | Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo. | 
| 12. | Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini. | 
| 13. | Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana." | 
| 14. | Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, "Ngazvirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakauya paburiro." | 
| 15. | Akati, "Uya nenguvo yawakafuka, uibate," akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta. | 
| 16. | Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, "Zvazodiniko mwana wangu?" Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya. | 
| 17. | Akati, "Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nokuti wakati, `Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.' " | 
| 18. | Zvino vakati, "Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi." | 
| ← Ruth (3/4) → |