Ruth (2/4)  

1. Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nefuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi.
2. Rute muMoabhu akati kuna Naomi, "Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha." Akati kwaari, "Enda hako, mwana wangu."
3. Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki.
4. Zvino vonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, "Jehovha ave nemi." Ivo vakapindura, vakati kwaari, "Jehovha akuropafadzeiwo."
5. Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, "Musikana uyu ndowaaniko?"
6. Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, "Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu,
7. iye akati, `Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,' naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku."
8. Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, "Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu.
9. Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya."
10. Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, "Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?"
11. Bhoazi akapindura akati kwaari, "Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.
12. Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake."
13. Iye akati, "Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu."
14. Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, "Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga." Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe.
15. Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, "Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa.
16. Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka."
17. Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari.
18. Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo.
19. Ipapo vamwene vake vakati kwaari, "Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe. " Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, "Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi."
20. Naomi akati kumukadzi womwana wake, "Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa." Naomi akati kwaari, "Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikunuri vedu."
21. Rute muMoabhu akati, "hongu, wakati kwandiri, `Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kucheka zvose zvangu.' "
22. Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, "Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda."
23. Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhoazi, akaunganidza kusvikira pakupera kwokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake.

  Ruth (2/4)