Ruth (1/4)  

1. Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri.
2. Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako.
3. Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiyiwa navanakomana vake vaviri.
4. Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi.
5. Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.
6. Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nokuti wakanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya.
7. Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha.
8. Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, "Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo.
9. Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake." Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo.
10. Vakati kwaari, "Kwete, tichaenda nemi kana modzokera kuvanhu venyu."
11. Naomi akati, "Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here?
12. Dzokai, vana vangu, endai henyu, nokuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno,
13. mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni."
14. Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira.
15. Akati, "Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokunamwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako."
16. Rute akati, "Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu;
17. pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imwi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi."
18. Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.
19. Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, "Uyu ndiye Naomi here?"
20. Akati kwavari, "Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo.
21. Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?"
22. Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.

      Ruth (1/4)