| Ruth (1/4) → |
| 1. | Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri. |
| 2. | Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako. |
| 3. | Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiyiwa navanakomana vake vaviri. |
| 4. | Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi. |
| 5. | Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake. |
| 6. | Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nokuti wakanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya. |
| 7. | Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha. |
| 8. | Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, "Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo. |
| 9. | Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake." Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo. |
| 10. | Vakati kwaari, "Kwete, tichaenda nemi kana modzokera kuvanhu venyu." |
| 11. | Naomi akati, "Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here? |
| 12. | Dzokai, vana vangu, endai henyu, nokuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno, |
| 13. | mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni." |
| 14. | Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira. |
| 15. | Akati, "Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokunamwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako." |
| 16. | Rute akati, "Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; |
| 17. | pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imwi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi." |
| 18. | Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye. |
| 19. | Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, "Uyu ndiye Naomi here?" |
| 20. | Akati kwavari, "Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. |
| 21. | Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?" |
| 22. | Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari. |
| Ruth (1/4) → |