Romans (9/16)  

1. Ndinotaura zvirokwazvo munaKristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,
2. kuti ndineshungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumoyo mangu.
3. Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama;
4. ndivo vaIsraeri; kuitwa vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murairo, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo;
5. madzibaba ndaavo, naKristu wakabva kwavari panyama, uri pamusoro pavose, Mwari unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
6. Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsraeri havazi vaIsraeri vose;
7. navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi: KunaIsaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.
8. Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi.
9. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Nenguva yakaita seino ndichavuya, Sara uchava nomwanakomana.
10. Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rebeka vo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu
11. nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakusanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kunaiye unodana,
12. zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko.
13. Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.
14. Zvino tichatiyiko? Kusarurama kuripo kunaMwari here? Haiswa!
15. Nokuti unoti kunaMosesi: Ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni, ndichanzwira tsitsi wandinonzwira tsitsi.
16. Naizvozvo hazvibvi kunounoda, kana kunounomhanya, asi kunaMwari, munzwiri wengoni.
17. Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndizvo zvandakakumutsira, kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.
18. Naizvozvo unonzwira ngoni waanoda; vuye unowomesera moyo waanoda.
19. Zvino iwe ungati kwandiri: Iye uchapireiko mhosva? Nokuti ndianiko unoramba kuda kwake?
20. Ko zvino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mwari? Ko chakavumbwa chingati kunowakachivumba: Wandiitireiko kudai?
21. Ko muvumbi wehari haanesimba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo mumwe wakakudzwa, nomumwe usina kukudzwa?
22. Zvino tichatiyiko kana Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,
23. kuti azivise kufuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni, yaakanga agadzirira kubwinya,
24. iyesu vakadanwa vo naye, tisingabvi kuvaJudha bedzi, asi kuvahedheni vo?
25. Sezvaanoreva vo pabhuku yaHosea, achiti: Avo vakanga vasi vanhu vangu; Ndichavaidza vanhu vangu; Naiye wakanga asi mudikanwa, ndichamuidza mudikanwa.
26. Zvichaitika kuti paya pakanga parebwa kwavari: Hamuzi vanhu vangu, Ipapo vachaidzwa vanakomana vaMwari mupenyu.
27. NaIsaya unodana pamusoro pavaIsraeri achiti kunyange kuwanda kwavana vaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;
28. nokuti Ishe uchaita panyika shoko rake, nokuripedzisa, nokukurumidza nokururama.
29. Sezvaakamboreva Isaya vo, achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiyira rudzi, Tingadai takava seSodhoma, takaitwa seGomora.
30. Zvino tichatiyiko? Tichati, vahedheni vasina kutsvaka kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwokutenda;
31. asi vaIsraeri vakati vachitsvaka murairo wokururama havana kusvika pamurairo wokururama.
32. Neiko? Nokuti havana kutsvaka nokutenda, asi zvinenge namabasa omurairo. Vakagumburwa nebwe rinogumbusa.
33. Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rokugumbusa, nedombo rokupinganidza; Unotenda kwaari, haanganyadziswi.

  Romans (9/16)