Romans (7/16)  

1. Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake?
2. Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.
3. Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume.
4. Saka, hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
5. Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.
6. Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
7. Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva;
8. zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.
9. Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;
10. nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;
11. nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo.
12. Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.
13. Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo.
14. Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.
15. Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita..
16. Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka.
17. Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
18. Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.
19. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
20. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
21. Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.
22. Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;
23. asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.
24. Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?
25. Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.

  Romans (7/16)