| ← Romans (7/16) → |
| 1. | Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose yovupenyu bwake? |
| 2. | Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume. |
| 3. | Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, uchanzi chifeve asi kana murume wake afa,wasununguka pamurairo, zvino haazi chifeve kunyange akawanikwa nomumwe murume. |
| 4. | Saka, hama dzangu nemi vo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye wakamutswa pavakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. |
| 5. | Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu. |
| 6. | Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kunaizvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare. |
| 7. | Zvino tichatiyiko? Murairo zvivi here? Haiswa! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usipo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva; |
| 8. | zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitovo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa. |
| 9. | Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa; |
| 10. | nomutemo iwo waifanira kuisa muvupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu; |
| 11. | nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera zvikandivuraya nawo. |
| 12. | Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka. |
| 13. | Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haiswa! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvokwazvo. |
| 14. | Nokuti tinoziva kuti murairo ndowomweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi. |
| 15. | Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi izvo zvandinoda; zvandinoda; handizvo zvandinoita; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.. |
| 16. | Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka. |
| 17. | Zvino handizati ndichiri ini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. |
| 18. | Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. |
| 19. | Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. |
| 20. | Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handisini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri. |
| 21. | Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. |
| 22. | Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati; |
| 23. | asi ndinovona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu. |
| 24. | Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu? |
| 25. | Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi. |
| ← Romans (7/16) → |