Romans (6/16)  

1. Zvino tichatiyiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?
2. Haiswa! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
3. Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
4. Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.
5. Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadaro vo pakumuka kwake;
6. tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;
7. nokuti wakafa, waruramiswa pazvivi.
8. Zvino kana takafa pamwe chete naKristu, tinotenda kuti tichararamavo pamwe chete naye;
9. tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamsoro pake.
10. Nokuti pakufa kwake, wakafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, unorarama kunaMwari.
11. Saizvozvo nemi vo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kunaMwari, munaKristu Jesu, Ishe wedu.
12. Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata vushe mumuviri wenyu unofa, kuti muterere kuchiva kwawo;
13. vuye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipei imi kunaMwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kunaMwari.
14. Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
15. Zvino tichatiyiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haiswa!
16. Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuterera, kuti muri varanda vaiye wamunoterera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana vokuterera kunoisa kukururama?
17. Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoterera nomoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
18. Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
19. Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kunezvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vekururama kunoisa kuvutsvene.
20. Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.
21. Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.
22. Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, munezvibereko zvenyu zvinoisa kuvutsvene, vuye kuguma kwazvo ndibwo vupenyu bwusingaperi.
23. Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndibwo vupenyu bwusingaperi munaKristu Jesu, Ishe wedu.

  Romans (6/16)