| ← Romans (5/16) → |
| 1. | Naizvozvo zvitinoruramiswa nokutenda ngative norugare kunaMwari naShe wedu, Jesu Kristu; |
| 2. | watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuvona kubwinya kwaMwari. |
| 3. | Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifare vo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira; |
| 4. | kutsungirira kunovuyisa kuidzwa; kuidzwa kunovuyisa tariro; |
| 5. | tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. |
| 6. | Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari. |
| 7. | Nokuti zvinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti zvimwe mumwe ungatsunga kufira wakanaka. |
| 8. | Asi Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi. |
| 9. | Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. |
| 10. | Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa novupenyu bwake; |
| 11. | zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuru vo munaMwari naShe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. |
| 12. | Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza; |
| 13. | nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusinomurairo. |
| 14. | Asi rufu rwakabata vushe kubva kunaAdhama kusvikira kunaMosesi, kunyange napakati vo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhama, waiva mufananidzo wowakanga achizovuya. |
| 15. | Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakavuya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji. |
| 16. | Vuye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe wakatadza; nokuti kutonga kwakavuya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakavuya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe. |
| 17. | Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu. |
| 18. | Naizvozvo, kutonga sezvakwakavuya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakavuya kuvanhu vose, kururamisirwa kwovupenyu kukavapo. |
| 19. | Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuterera kwomumwe. |
| 20. | Murairo wakapinda vo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuvurisa; |
| 21. | kuti zvivi sezvazvakabata vushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate vushe nokururama, zviise kuvupenyu bwusingaperi naJesu Kristu Ishe wedu. |
| ← Romans (5/16) → |