Romans (4/16)  

1. Zvino tichatiiko? Abhurahamu, teteguru vedu panyama, wakawaneiko?
2. Nokuti dai Abhurahamu akaruramiswa namabasa ake, ungadai anechinhu chaangazvirumbidza nacho; asi haana pamberi paMwari.
3. Nokuti Rugwaro runoti kudiniko? Runoti: Abhurahamu wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama.
4. Zvino kunounobate-basa, mubairo haunzi ndowenyasha, asi ndowengava.
5. Kunousingabati, asi unotenda kunaiye unoruramisa munhu usingadi Mwari, kutenda kwake kunonzi kwaari ndiko kururama.
6. Sezvinoreva vo Dhavhidhi, kuti wakaropafadzwa munhu unonzi naMwari wakarurama, kunze kwamabasa,
7. achiti: Vakaropafadzwa vakakanganwirwa zvisakarurama zvavo, Navakafukidzirwa zvivi zvavo;
8. Wakaropafadzwa munhu usinganzi naShe unezvivi.
9. Zvino kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa, kana kwavasina kudzingiswa here? Nokuti tinoti, kunaAbhurahamu kutenda kwake kwakanzi ndiko kururama.
10. Zvino zvakanzarwo seiko? Atodzingiswa, kana asinakudzingiswa here? Hazvina kunzarwo adzingiswa, asi asina kudzingiswa;
11. wakapiwa chiratidzo chokudzingiswa, kuti chive chisimbiso chokururama kwokutenda, kwaakanga ana’ko asati adzingiswa; kuti ave baba vavose vanotenda, kunyange vasina kudzingiswa, kuti vagonzi vakarurama;
12. ave baba vokudzingiswa kunaivo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofamba vo mumakwara okutenda kwababa vedu Abhurahamu, kwavaiva nako vasati vadzingiswa.
13. Nokuti chipikirwa chokuti uchava mugari wenhaka yenyika hachina kupiwa Abhurahamu kana rudzi rwake nomurairo, asi nokururama kwokutenda.
14. Nokuti dai vomurairo vari vagari venhaka, kutenda hakunamaturo, nechipikirwa chinokoneswa;
15. nokuti murairo unovuyisa kutsamwa; asinomurairo hapana kudarika vo.
16. Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbhurahamu vo, iye baba vedu tose,
17. (sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Ndakakuita baba vamarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari unopa vakafa vupenyu, nokudana zvisipo sezvinenge zviripo.
18. Wakatenda netariro pasinetariro, kuti ave baba vamarudzi mazhinji,sezvazvakanga zvataurwa Rudzi rwako ruchadaro
19. Haana kushaiwa simba pakutenda, achifunga muviri wake wakanga watofa hawo(zvaiva namakore anenge zana), nokufa kwechizvaro chaSara;
20. akatarira chipikirwa chaMwari, haana kunyunyuta nokusatenda, asi wakasimbiswa pakutenda, akakudza Mwari,
21. achiziva kwazvo, kuti icho chaakapikira, wakanga anesimba rokuchiita vo.
22. Saka zvakanzi kwaari ndiko kururama.
23. Zvino hazvina kunyorwa nokuda kwake bedzi, kuti zvakanzarwo kwaari;
24. asi nokuda kwedu vo; nesu tichanzarwo, iyesu, tinotenda kunowakamutsa Jesu Ishe wedu, kuvakafa.
25. iye wakaiswa kurufu nokuda kwokudarika kwedu, akamutswa nokuda kwokururamiswa kwedu.

  Romans (4/16)