Romans (3/16)  

1. Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko?
2. Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari.
3. Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here?
4. Haiswa! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu.
5. Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura kwomunhu.)
6. Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko?
7. Zvino kana zvokwadi yaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko neni vo ndichatongerwei somutadzi?
8. Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, vuye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama.
9. Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
10. sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.
11. Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari;
12. Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;
13. Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo;
14. Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava;
15. Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa;
16. Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo;
17. Nenzira yorugare havana kuiziva.
18. Kutya Mwari hakupo pamberi pavo,
19. Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20. Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo.
21. Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita;
22. ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani,
23. nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari.
24. Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu.
25. Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu;
26. kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye aruramise uyo unotenda kunaJesu.
27. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda.
28. Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo.
29. Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo.
30. Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamsoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda.
31. Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo.

  Romans (3/16)