| ← Romans (3/16) → |
| 1. | Ko muJudha unopfuvura vamwe neiko? Kana kudzingiswa kunobatsireiko? |
| 2. | Zvizhinji, nemitovo yose: Pakutanga, kuti ndivo vakapiwa mashoko aMwari. |
| 3. | Nokuti zvinodiniko kana vamwe vasinokutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? |
| 4. | Haiswa! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa. Zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, Mukunde pakutonga kwenyu. |
| 5. | Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanoita nehasha?(Ndinotaura nokutaura kwomunhu.) |
| 6. | Haisva! Mwari ungagozotonga nyika seiko? |
| 7. | Zvino kana zvokwadi yaMwari yawanzwa nenhema dzangu, iye akakudzwa nazvo ko neni vo ndichatongerwei somutadzi? |
| 8. | Ticharegereiko kutaura (sezvatinopomerwa, vuye sezvinoreva vamwe vachiti tinodaro), tichiti: Ngatiite zvakaipa, kuti zvakanaka zvibudepo? Kutongwa kwavo kwakarurama. |
| 9. | Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi; |
| 10. | sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe. |
| 11. | Hakuna unonzwisisa.Hakuna unotsvaka Mwari; |
| 12. | Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, Hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete; |
| 13. | Huro dzavo bwiro bwakashama; Vakanyengera nendimi dzavo;Vuturu bwenyoka bwuri mumiromo yavo; |
| 14. | Muromo wavo uzere nokutuka nokuvava; |
| 15. | Tsoka dzavo dzinokurumidza kutevura ropa; |
| 16. | Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo; |
| 17. | Nenzira yorugare havana kuiziva. |
| 18. | Kutya Mwari hakupo pamberi pavo, |
| 19. | Zvino tinoziva kuti zvose zvinorebwa nomurairo, unozvireva kunavose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. |
| 20. | Nokuti hakunenyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo. |
| 21. | Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita; |
| 22. | ndiko kururama kwaMwari kunovuya nokutenda kunaJesu Kristu kunavose vanotenda; nokuti havasiyani, |
| 23. | nokuti vose vakatadza vakasasvika pakubwinya kwaMwari. |
| 24. | Vanongoruramiswa nenyasha dzake nokudzikinura kuri munaKristu Jesu. |
| 25. | Iye wakagadzwa naMwari, kuti ave muyananiso nokutenda muropa rake, kuti kururama kwake kuratidzwe, nokuti zvivi zvakaitwa kare zvakaregerwa, Mwari achivaitira moyo murefu; |
| 26. | kuti kururama kwake kuratidzwe, nenguva ino, kuti arurame iye amene, vuye aruramise uyo unotenda kunaJesu. |
| 27. | Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa, Nomurairo upiko? Wamabasa here? Kwete, asi nomurairo wokutenda. |
| 28. | Naizvozvo tinoti, munhu unoruramiswa nokutenda kunze kwamabasa omurairo. |
| 29. | Ko Mwari ndiye wavaJudha voga here? Haazi wavahedheni vo here? Hongu, wavahedheni vo. |
| 30. | Mwari zvaari mumwe chete, ucharuramisa vakadzingiswa pamsoro pokutenda, navasina kudzingiswa nokutenda. |
| 31. | Zvino tinokonesa murairo nokutenda here? Haiswa! Asi tinosimbisa murairo. |
| ← Romans (3/16) → |