| ← Romans (2/16) → |
| 1. | Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo. |
| 2. | Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai. |
| 3. | Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here? |
| 4. | Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka? |
| 5. | Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari; |
| 6. | iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo: |
| 7. | Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi. |
| 8. | Asi kunavanenharo, vasingatereri zvokwadi, vanoterera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha. |
| 9. | nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki; |
| 10. | asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGiriki vo. |
| 11. | Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu. |
| 12. | Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo; |
| 13. | nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa; |
| 14. | (nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene; |
| 15. | nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;) |
| 16. | nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Evhangeri yangu. |
| 17. | Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari, |
| 18. | unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo, |
| 19. | unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima, |
| 20. | nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowezvokwadi pamurairo; |
| 21. | zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe? |
| 22. | Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo? |
| 23. | Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko? |
| 24. | Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu. |
| 25. | Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. |
| 26. | Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here? |
| 27. | Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuye vo kudzingiswa? |
| 28. | Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama; |
| 29. | asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari. |
| ← Romans (2/16) → |