Romans (16/16)    

1. Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.
2. Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, neni vo ndimene.
3. Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
4. vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.
5. Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.
6. Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.
7. Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavaapostora, vakanditangira vo kuva munaKristu.
8. Ndikwazisirei Ampriato, mudikanwa wangu munaShe.
9. Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikanwa wangu.
10. Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.
11. Ndikwazisirei Herodio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vo kwaNarkiso, vari munaShe.
12. Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikanwa, wakabata zvikuru munaShe.
13. Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.
14. Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.
15. Ndikwazisrei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.
16. Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.
17. Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.
18. Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.
19. Nokuti kuterera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.
20. Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
21. Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.
22. Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.
23. Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosi vo, hama.
24. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemi mose. Ameni.
25. Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
26. asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vaterere nokutenda.;
27. iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.

  Romans (16/16)