| ← Romans (16/16) |
| 1. | Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea. |
| 2. | Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, neni vo ndimene. |
| 3. | Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu. |
| 4. | vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni. |
| 5. | Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia. |
| 6. | Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru. |
| 7. | Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavaapostora, vakanditangira vo kuva munaKristu. |
| 8. | Ndikwazisirei Ampriato, mudikanwa wangu munaShe. |
| 9. | Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikanwa wangu. |
| 10. | Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo. |
| 11. | Ndikwazisirei Herodio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vo kwaNarkiso, vari munaShe. |
| 12. | Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikanwa, wakabata zvikuru munaShe. |
| 13. | Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu. |
| 14. | Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari. |
| 15. | Ndikwazisrei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari. |
| 16. | Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai. |
| 17. | Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge. |
| 18. | Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso. |
| 19. | Nokuti kuterera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa. |
| 20. | Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi. |
| 21. | Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu. |
| 22. | Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe. |
| 23. | Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosi vo, hama. |
| 24. | Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemi mose. Ameni. |
| 25. | Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi. |
| 26. | asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vaterere nokutenda.; |
| 27. | iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni. |
| ← Romans (16/16) |