Romans (15/16)  

1. Zvino isu, tinesimba, tinofanira kutakura vutera bwavasinesimba, tisingazvifadzi.
2. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
3. Nokuti Kristu vo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.
4. Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.
5. Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei moyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;
6. kuti mukudze Mwari, baba vaShe wedu Jesu Kristu, nomoyo mumwe vuye nomuromo mumwe.
7. Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
8. Nokuti ndinoti: Jesu Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.
9. Vuye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.
10. Vuye zve unoti: Farai imi vahedheni, navanhu vake.
11. Vuye zve: Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.
12. Vuye zve, Isaya unoti: Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye;
13. Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.
14. Zvino, hama dzangu, ini ndimene, ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogona vo kurairana.
15. Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokunyevudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,
16. kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa rovuPirisita paEvhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.
17. Naizvozvo ndingazvirumbidza munaKristu Jesu pazvinhu zvaMwari.
18. Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vateereswe neshoko namabasa,
19. nesimba re zviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokudaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kusvikira Iriko, ndakaparidza kwazvo Evhangeri yaKristu;
20. ndichishingarira chinhu ichi kuti ndiparidze Evhangeri, apo pasina kumborebwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;
21. asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Avo, vasina kuvudzwa zvake; vachavona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.
22. Naizvozvo ndakadziviswa vo kazhinji kuvuya kwamuri;
23. zvino zvandisina pokubata panyika idzi, vuye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuvuya kwamuri,
24. kana ndichienda Spania, ndichavuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuvonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma nemi.)
25. Asi zvino ndomboenda Jerusarema kundoshumira vatsvene.
26. Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.
27. Nokuti vakatiira zvakanaka; vanengava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vanengava vo rokuvashumira pa zvinhu zvenyama.
28. Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Spania nokwenyu.
29. Ndinoziva kuti kana ndichivuya kwenyu, ndichavuya nokuropafadza kwakazara kweEvhangeri yaKristu.
30. Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, vuye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kunaMwari pamusoro pangu;
31. kuti ndisunungurwe kuna vasingatereri muJudhea, vuye kuti kushumira kwangu kunaveJerusarema kufadze vatsvene;
32. kuti ndivuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwe chete nemi.
33. Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

  Romans (15/16)