| ← Romans (12/16) → | 
| 1. | Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomoyo. | 
| 2. | Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana. | 
| 3. | Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinovudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuvura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari. | 
| 4. | Nokuti sezvatinemitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose hainebasa rimwe chete; | 
| 5. | saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. | 
| 6. | Tinezvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiprofite zvakaenzana nokutenda kwedu; | 
| 7. | kana kuri kushumira, ngazvivonekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; | 
| 8. | kana kuri kuraira, pakuraira kwedu; unopa, ngaape nomoyo wose; uri mukuru, ngaabate nokushingaira; unoitira ngoni, ngaaite nomufaro. | 
| 9. | Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka. | 
| 10. | Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. | 
| 11. | Regai kuva novusimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; | 
| 12. | farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera; | 
| 13. | govanai navatsvene pakushaiwa kwavo; itirai vaeni rudo. | 
| 14. | Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. | 
| 15. | Farai navanofara; chemai navanochema. | 
| 16. | Ivai nomoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamoyo yenyu makachenjera. | 
| 17. | Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. | 
| 18. | Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. | 
| 19. | Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe. | 
| 20. | Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. | 
| 21. | Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka. | 
| ← Romans (12/16) → |