| ← Romans (11/16) → | 
| 1. | Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasha vanhu vake here? Haiswa! Nokuti neni vo ndiri muIsraeri, worudzi rwaAbhurahamu, weimba yaBenjanimi. | 
| 2. | Mwari haana kurasha vanhu vake vaakaziva pakutanga. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini pamashoko aEria here? Kuti unokumbira kunaMwari pamusoro pavaIsraeri, achiti: | 
| 3. | Ishe, vakavuraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, ini ndakasiyiwa ndoga, zvino vanotsvaka kundivuraya. | 
| 4. | Asi Mwari unomupindureiko? Unoti: Ndakazvisiyira varume vanezvuru zvinomwe, vasina kufugamira Baari. | 
| 5. | Zvino saizvozvo nenguva inovo vari’ko vakasara, vakasanangurwa nenyasha. | 
| 6. | Zvino kana kusanangura kuri kwenyasha, hakuzati kuchiri kwamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzichiri nyasha. Asi kana kuri kwamabasa hakuzati kuchiri kwenyasha. Kana zvisakadaro basa harizati richibasa. | 
| 7. | Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa, | 
| 8. | sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi. | 
| 9. | NaDhavhidhi vo unoti: Tafura yavo ngaiitwe musungo, neriva, | 
| 10. | Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose. | 
| 11. | Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Haisva! Asi nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuti vamutsirwe godo. | 
| 12. | Zvino kana kuwa kwavo kwakafumisa nyika, nokutapudzwa kwavo kwakafumisa vahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo? | 
| 13. | Ndinotaura kwamuri, imi vahedheni. Zvandiri muapostora wavahedheni, ndinokudza basa rangu. | 
| 14. | Zvimwe ndingamutsa godo kunavenyama yangu, ndiponese vamwe vavo. | 
| 15. | Nokuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi vupenyu pakufa? | 
| 16. | Zvino kana chibereko chokutanga chiri chitsvene, bundu rose rakadaro vo; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadaro vo; | 
| 17. | Zvino, kana mamwe matavi akavhuniwa, iwe, muorivhi wokudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava nomugove pamwe chete nawo pamudzi napamafuta omuorivhi; | 
| 18. | usazvikudza kumatavi; kana uchizvikudza, hauzi iwe unotakura mudzi, asi mudzi ndiwo unokutakura iwe. | 
| 19. | Zvino iwe uchati, matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe. | 
| 20. | Ndizvozvo; vakavhuniwa nokusatenda kwavo, iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi utye; | 
| 21. | nokuti kana Mwari asina kurega matavi awo, haangakuregi newe vo. | 
| 22. | Zvino tarira vunyoro nokukasharara kunavakawa, asi kwauri vunyoro bwaMwari, kana uchigara pavunyoro bwake;kana zvisakadaro, newe uchatemwa vo. | 
| 23. | Naivo vo, kana vasingagari pakusatenda kwavo, vachabatanidzwa; nokuti Mwari unogona kuvabatanidza zve. | 
| 24. | Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo! | 
| 25. | Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda; | 
| 26. | naizvozvo rudzi rwose rwavaIsraeri ruchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; Uchabvisa kusada Mwari kunaJakobho; | 
| 27. | Iyi ndiyo sungano yangu navo, Musi wandichabvisa zvivi zvavo. | 
| 28. | Kana iri Evhangeri, ivo vavengi vaMwari nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwa nokuda kwamadzibaba. | 
| 29. | Nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi. | 
| 30. | Nokuti semi kare makanga musingatereri Mwari, asi zvino makanzwirwa ngoni nokusaterera kwavo, | 
| 31. | saizvozvo naivo zvino havana kuterera, kuti nengoni dzakaitirwa imi naivo vanzwirwe vo ngoni. | 
| 32. | Nokuti Mwari wakavapfigira vose pakusaterera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose. | 
| 33. | Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi! | 
| 34. | Nokuti ndianiko wakanga ari murairi wake? | 
| 35. | Ndianiko wakatanga kumupa, kuti aripirwe zve? | 
| 36. | Nokuti zvose zvinobva kwaari, zviripo naye, zviripo nokuda kwake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. | 
| ← Romans (11/16) → |