Romans (10/16)  

1. Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe.
2. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.
3. Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari.
4. Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda.
5. Nokuti Mosesi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo.
6. Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;)
7. kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.)
8. Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;
9. kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
10. nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.
11. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi,
12. Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari;
13. nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.
14. Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi?
15. Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?
16. Asi vose havana kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza?
17. Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.
18. Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika.
19. Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mosesi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.
20. NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza.
21. Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambunudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingatereri, navanokakavara.

  Romans (10/16)