| ← Romans (10/16) → |
| 1. | Hama dzangu, kuda kwomoyo wangu nokukumbira kwangu kunaMwari pamusoro paIsraeri ndiko, kuti vaponeswe. |
| 2. | Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva. |
| 3. | Nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pokururama kwaMwari. |
| 4. | Nokuti Kristu ndimugumo womurairo pakutsvaka kururama, kuno mumwe nomumwe unotenda. |
| 5. | Nokuti Mosesi unonyora, achiti, munhu, unoita kururama, kunorebwa nomurairo, uchararama nazvo. |
| 6. | Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreva kudai: Usati mumoyo mako: Ndianiko uchakwira kudenga? (ndiko kuburusa Kristu;) |
| 7. | kana, ndianiko uchaburukira kwakadzikadzika? (ndiko kubudisa Kristu kuvakafa.) |
| 8. | Asi kunoreveiko? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako, nomumoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; |
| 9. | kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; |
| 10. | nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. |
| 11. | Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haanganyadziswi, |
| 12. | Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, wakafuma kunavose vanodana kwaari; |
| 13. | nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. |
| 14. | Zvino vachagodana seiko kunaiye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kunaiye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusinomuparidzi? |
| 15. | Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzavanoparidza Evhangeri yorugare, namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka? |
| 16. | Asi vose havana kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza? |
| 17. | Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari. |
| 18. | Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu, zvirokwazvo, Inzwi ravo rakabuda kunyika yose, Namashoko avo kumigumo yenyika. |
| 19. | Asi ndinoti: VaIsraeri havanakuziva here? Pakutanga Mosesi unoti: Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi. |
| 20. | NaIsaya, asingatyi, unoti: Ndakavonekwa navasina kundibvunza. |
| 21. | Asi kuvaIsraeri unoti: Ndakatambunudzira mavoko angu zuva rose kuvanhu vasingatereri, navanokakavara. |
| ← Romans (10/16) → |