Romans (1/16)  

1. Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, wakatsaurirwa Evhangeri yaMwari,
2. yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,
3. zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,
4. wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,
5. watakagamuchira naye nyasha novuapostora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuterera kwokutenda nokuda kwezita rake;
6. nemi vo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu;
7. kunavose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu.
8. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.
9. Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muEvhengeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
10. ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.
11. Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.
12. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.
13. Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuri vo, sapakati pavamwe vahedheni.
14. Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.
15. Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidzirai vo Evhangeri, imi muri paRoma.
16. Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo.
17. Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.
18. Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa zvokwadi nokusarurama;
19. nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.
20. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
21. nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisinamaturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.
22. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;
23. vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.
24. Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.
25. Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26. Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;
27. saizvozvo vanhurume vo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.
28. Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;
29. vakazadzwa nokusarururama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,
30. navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,
31. namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.
32. Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.

      Romans (1/16)