| Romans (1/16) → | 
| 1. | Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, wakatsaurirwa Evhangeri yaMwari, | 
| 2. | yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene, | 
| 3. | zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama, | 
| 4. | wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu, | 
| 5. | watakagamuchira naye nyasha novuapostora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuterera kwokutenda nokuda kwezita rake; | 
| 6. | nemi vo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu; | 
| 7. | kunavose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu. | 
| 8. | Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose. | 
| 9. | Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muEvhengeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, | 
| 10. | ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari. | 
| 11. | Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe. | 
| 12. | Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu. | 
| 13. | Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuri vo, sapakati pavamwe vahedheni. | 
| 14. | Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera. | 
| 15. | Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidzirai vo Evhangeri, imi muri paRoma. | 
| 16. | Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo. | 
| 17. | Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda. | 
| 18. | Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa zvokwadi nokusarurama; | 
| 19. | nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari. | 
| 20. | Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo; | 
| 21. | nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisinamaturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa. | 
| 22. | Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; | 
| 23. | vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira. | 
| 24. | Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo. | 
| 25. | Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni. | 
| 26. | Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa; | 
| 27. | saizvozvo vanhurume vo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo. | 
| 28. | Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira; | 
| 29. | vakazadzwa nokusarururama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve, | 
| 30. | navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki, | 
| 31. | namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni. | 
| 32. | Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita. | 
| Romans (1/16) → |