Revelation (9/22)  

1. Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
2. Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
3. Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
4. Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
5. Hadzina kupiwa basa rokuvavuraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu.
6. Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza.
7. Pakuvonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga pane zvimwe zvakafanana nekorona dzakafanana nendarama, zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu.
8. Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameno adzo akanga akaita seeshumba.
9. Dzakanga dzinezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa.
10. Dzakanga dzinemiswe, yakaita seyezvinyavada, novumborera; pamiswe yadzo pakanga panesimba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.
11. Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
12. Nhamo imwe yapfuvura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.
13. Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama yakanga iri pamberi paMwari,
14. richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
15. Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.
16. Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
17. Saizvozvo vo ndakavona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vanezvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasinto, nezvesurferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, novutsi nesurferi.
18. Chetatu chavanhu chakavurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesurferi, zvakabuda mumiromo yawo.
19. Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, inemisoro; anokuvadza nayo.
20. Vamwe vanhu vasina kuvurawa namadambudziko awa, havana kutendevuka pamabasa amavoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuvona, kana kunzwa, kana kufamba;
21. havana kutendevuka vo pakuvuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana pavupombwe bwavo, kana pakuba kwavo.

  Revelation (9/22)