Revelation (8/22)  

1. Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.
2. Ipapo ndakavona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.
3. Zvino mumwe mutumwa wakavuya, akamira paaritari, anomudziyo wendarama wezvinonhuwira; akapiwa zvinonhuwira zvizhinji kuti azviise pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakanga iri pamberi pechigaro chovushe.
4. Vutsi bwezvinonhuwira bwukakwira pamberi paMwari bwuchibva muruvoko rwomutumwa pamwe chete neminyengetero yavatsvene.
5. Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
6. Ipapo vatumwa vanomwe, vakanga vanehwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.
7. Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.
8. Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta nomoto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;
9. chetatu chezvisikwa zvakanga zviri mugungwa zvikafa, izvo, zvakanga zvinovupenyu; nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.
10. Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, nyeredzi huru, yakapfuta sezhenje, ikawa kudenga, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi napamatsime emvura;
11. zita renyeredzi rakanga richinzi, Chinovava; ipapo chetatu chemvura chikavaviswa, vanhu vazhinji vakafa nemvura, nokuti yakanga yavaviswa.
12. Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarobwa, nechetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, vuye kuti chetatu chamasikati chirege kuvhenekera, novusiku saizvozvo.
13. Ipapo ndakatarira, ndikanzwa mutumwa achibhururuka pakati pedenga, achiti nenzwi guru: Nhamo, nhamo, nhamo, kunavanogara panyika, nokuda kwamanzwi mamwe ehwamanda avatumwa vatatu vachazoridza.

  Revelation (8/22)