Revelation (7/22)  

1. Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
2. Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
3. achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.
4. Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.
5. Vorudzi rwaJudha vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;
6. Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7. Vorudzi rwaSimeoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevhi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;
8. Vorudzi rwaZabhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.
9. Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;
10. vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kunaMwari unogara pachigaro chovushe, nokuGwaiana.
11. Ipapo vatumwa vose vakamira, vakakomba chigaro chovushe, naVakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawira pasi nezviso pamberi pechigaro chovushe, vakanamata Mwari,
12. vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nokubwinya, nokuchenjera, nokuvonga, nokukudzwa, novushe, nesimba, ngazvive kunaMwari nokusingaperi-peri. Ameni.
13. Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?
14. Ndikati kwaari; Ishe wangu, imi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.
15. Naizvozvo vari pamberi pechigaro chovushe chaMwari, vanomushumira masikati novusiku mutembere yake; iye, unogara pachigaro chovushe, uchavadzitira netabernakeri.
16. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa;
17. nokuti Gwaiana riri pakati pechigaro chovushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura yovupenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.

  Revelation (7/22)