Revelation (5/22)  

1. Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
2. Ipapo ndakavona mutumwa, unesimba, achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndianiko wakafanira kuti azarure bhuku iyi, nokusunungura zvisimbiso zvayo?
3. Asi kwakanga kusinomunhu kudenga napanyika, kana napasi penyika, wakagona kuzarura bhuku iyo, kana kutarira mairi.
4. Ipapo ndakachema zvikuru, zvakusina-kuwanikwa munhu, wakafanira kuti azarure bhuku, kana kuverenga kana kutarira mairi.
5. Zvino mumwe waVakuru wakati kwandiri; Usachema hako, tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, yakakunda kuti izarure bhuku nokusunungura nezvisimbiso zvayo zvinomwe.
6. Zvino ndakatarira ndikavona pakati pechigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu zvina, napakati paVakuru, Gwaiana rimire, rakaita serakabayiwa, rinenyanga nomwe nameso manomwe, iri Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.
7. Iro rikavuya, rikatora bhuku muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe.
8. Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina naVakuru vanamakumi maviri navana vakawira pasi pamberi peGwaiana, mumwe nomumwe anorudimbwa, nendiro dzendarama, dzakanga dzizere nezvinonhuwira, iri minyengetero yavatsvene.
9. Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose;
10. mukavaitira Mwari wedu, kuti vave madzimambo navaPirisita, vabate vushe panyika.
11. Zvino ndakavona, ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji vakanga vakakomberedza chigaro chovushe nezvisikwa zvipenyu, naVakuru kuwanda kwavo kwakanga kuri zvuru zvezvuru nezvuru zvamazana
12. vachiti nenzwi guru: Gwaiana rakabayiwa rakafanira kuti rivigirwe vushe, nefuma, nokuchenjera, nesimba, nokukudzwa, nokubwinya, nokurumbidzwa.
13. Ndikanzwa zvisikwa zvipenyu zvose zviri kudenga, napanyika, nezvose zviri mukati mazvo, zvichiti: Kurumbidzwa, nokukudzwa, nokubwinya, nesimba ngazvive kunaiye ugere pamusoro pechigaro chovushe, nokuGwaiana nokusi ngaperiperi.
14. Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru vanamakumi maviri navana vo vakawira pasi, vakanamata Iye unorarama nokusingaperi.

  Revelation (5/22)